Top Songs By Alick Macheso and Orchestra Mberikwazvo
Similar Songs
Credits
PERFORMING ARTISTS
Alick Macheso and Orchestra Mberikwazvo
Vocals
Alick Macheso
Vocals
COMPOSITION & LYRICS
Alick Macheso
Composer
Lyrics
Irero shoko nderenyu imi baba namai hoo
Ikodzero dzenyu kuziva vana zvatingada
Kuti isu tizive chakanaka zvachakanaaakira
Kubva mukuchengetwa nemi muri zvamuri mose
Kuziva chakanaka nechakaipa, kubva kamuri
Moyo yerudo rwenyu rwamaitiratidzaaa
Hamuna kuita hutsinye makatichengeta wani
Murere akure mangwana agokurerawo
Hoya
Chara chimwe hachitswanye inda
Pabva zino pasara vende
Chero ukatenga regoridhe asi harizi repo
Ivende (pabva rimwe) ivende
Chara chimwe hachitswanye inda
Pabva zino pasara vende
Chero ukatenga regoridhe zino harizi repo
Ivende (pabva rimwe) ivende
Panobva amai, vana dzatova nherera
Pabva amai vana dzatova nherera
Pasina baba Shupi uya woshupika
Pasina baba Shupi uya woshupika
Nokuda kwezvikonzero, zvimwe zviri zvechokwadi
Nokuda kwezvikonzero, zvimwe zviri zvemanyepo
Tumwe twacho twukonzero, tusina nezvatwunoreva
Tumwe twacho twukonzero, twuine nezvatwunoreva
Inzwai tsitsi, inzwai ngoni
Inzwai tsitsi, inzwai ngoni
Inzwai tsitsi, (vanamai we) inzwai ngoni
Inzwai tsitsi, inzwai ngoni
Pasina baba pave nemwanza, amai voga zvingavanetse
Pasina mai pave nemwanza, baba voga zvingavanetse
Chikuni chimwe hachikodze sadza
Zviviri zvitatu zvinofuridzika
Chikuni chimwe hachikodze sadza (amai)
Zviviri zvitatu zvinofuridzika
Inzwai tsitsi, inzwai ngoni
Inzwai tsitsi, inzwai ngoni
Inzwai tsitsi (vanamai we) inzwai ngoni
Written by: Alick Macheso