Similar Songs
Credits
PERFORMING ARTISTS
Ngwenya Brothers
Performer
T Matsito
Vocals
COMPOSITION & LYRICS
T Matsito
Songwriter
Lyrics
Ndizvo zvinhu zvinondinetsa ini amai vangu
Ndizvo zvinhu zvinondishupa ini ambuya vangu woo

Ndikati ndivaudze vanoti ndichiri mudiki
Ndikati ndivaudze vanoti ndichiri mudiki woo

Kana ivo sekuru vacho vanazvowo zvenharo
Kana ivo vakuru vacho vanazvowo zvenharo woo

Sezvo ini ndichiri mudiki hapana zvandingaita
Sezvo ini ndichiri mudiki hapana zvandingaite woo
Sezvo ini ndichiri mudiki hapana zvandingaite
Sezvo ini ndichiri mudiki hapana zvandingaite woo
Vana mukoma huyai tinzwananewo, vana sekuru huyai tibatanewo
Vana hanzvadzi huyai tinzwananewo
Nhamo hayiuraye asi inowondesa, nhamo hayiuraye asi inowondesa
Vana mukoma huyai tinzwananewo, vana sekuru huyai tibatanewo
Vana hanzvadzi huyai tinzwananewo
Nhamo hayiuraye asi inowondesa, nhamo hayiuraye asi inowondesa shuwa
Chakanaka chakanaka mukaka haurungwewo
Zvinhu zvakadaro zvinodawo pamwe chetewo
Asi chara chimwe hachitswanye inda wani ambuya

Written by: T Matsito