Top Songs By Alick Macheso
Lyrics
Michato yamavavarira kuda kugura iyoyi
Manga muine chokwadi nezvitsidzirano zvenyu here?
Hukama hwamavavarira kuda kugura ihwohu
Muchazohurangarira muchikomana chidoko ichochi
Misha yamavavarira kuda kupisa iyoyi
Yakararamira vanhu vakawandisisa
Gomo ramavavarira kuda kutimba irori
Mukaita munyama muchatsimbirirwawo
Njanji yamavavarira kuda kugura iyoyi
Zvairiyo inouya nezvakamirirwawo
Gungwa ramavavarira kuda kukupa irori
Mukaita munyama munokukurwawo
Misindo yamavavarira kuda kutanga iyoyi
Mukaita munyama muchabhokodoriwa
Dyiri ramavavarira kuda kugobora irori
Vanhu nemhuka tinopfuura nepo tichinhonga mazhanje
Upenyu hwomorasirira kunge mbudzi vana vamai vangu
Nekuda kwezvisingazenge, zvichiputsa zvanga zvakatonaka
Vaikupa nei gungwa, vaikupa nei?
Vaikupa nei gungwa, vaikupa nei?
Vaishandisa mikombe nemakomichi
Vaishandisa mikombe nemakomichi
Vaishandisa zvigubhu nemabhavhu
Vaishandisa zvigubhu nemabhavhu, kukupa nyanza
Vaitimba nei gomo, vaitimba nei?
Vaitimba nei gomo, vaitimba nei?
Vairitimba nembezo nemapiki, gomo
Vairitimba nembezo nemapiki, gomo
Vachishandisa zvipunu sema-shovel
Vamwe nemigwaku sema-shovel
Waitangirei musindo, uchiutangirei?
Uchitangirei musindo, uchiutangirei?
Iwe uchiziva kuti hauzvimirire
Waithemba vamwe vachapindira
Kana waithemba vamwe vachapindira
Writer(s): Alick Macheso
Lyrics powered by www.musixmatch.com