Lyrics

Michato yamavavarira kuda kugura iyoyi Manga muine chokwadi nezvitsidzirano zvenyu here? Hukama hwamavavarira kuda kugura ihwohu Muchazohurangarira muchikomana chidoko ichochi Misha yamavavarira kuda kupisa iyoyi Yakararamira vanhu vakawandisisa Gomo ramavavarira kuda kutimba irori Mukaita munyama muchatsimbirirwawo Njanji yamavavarira kuda kugura iyoyi Zvairiyo inouya nezvakamirirwawo Gungwa ramavavarira kuda kukupa irori Mukaita munyama munokukurwawo Misindo yamavavarira kuda kutanga iyoyi Mukaita munyama muchabhokodoriwa Dyiri ramavavarira kuda kugobora irori Vanhu nemhuka tinopfuura nepo tichinhonga mazhanje Upenyu hwomorasirira kunge mbudzi vana vamai vangu Nekuda kwezvisingazenge, zvichiputsa zvanga zvakatonaka Vaikupa nei gungwa, vaikupa nei? Vaikupa nei gungwa, vaikupa nei? Vaishandisa mikombe nemakomichi Vaishandisa mikombe nemakomichi Vaishandisa zvigubhu nemabhavhu Vaishandisa zvigubhu nemabhavhu, kukupa nyanza Vaitimba nei gomo, vaitimba nei? Vaitimba nei gomo, vaitimba nei? Vairitimba nembezo nemapiki, gomo Vairitimba nembezo nemapiki, gomo Vachishandisa zvipunu sema-shovel Vamwe nemigwaku sema-shovel Waitangirei musindo, uchiutangirei? Uchitangirei musindo, uchiutangirei? Iwe uchiziva kuti hauzvimirire Waithemba vamwe vachapindira Kana waithemba vamwe vachapindira
Writer(s): Alick Macheso Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out