Lyrics
Ndingabude seiko mune zvakaipa
Kunze kokunamata ndiko kuti ndirarame?
Ndingabude seiko mune zvakaipa
Kunze kokunamata ndiko kuti ndirarame?
Ndingapunyuke seiko mune zvakaipa
Kunze kokunamata ndiko kuti ndirarame?
Ndingapunyuke seiko mune zvakaipa
Kunze kokunamata ndiko kuti ndirarame?
Pane uya wandofungira mweya wakaipa
Iye akanditadzira, ndokumbirawo ararame
Pane uyo wandofungira mweya wakaipa
Iye akanditadzira, ndokumbirawo ararame
Ndiri mutadzi panyika, anochiva nekuuraya
Zvisakanditadzira, ndokumbirazve ndicheneswe
Ndiri mutadzi panyika, anochiva nekuuraya
Zvisakanditadzira, ndokumbirazve ndirarame
Ndiyeka rusvava, anochema zvomurwadza
Tendeukai mutarise, tokumbirazve ararame
Ndiyeka rusvava, anochema zvomurwadza
Tendeukai mutarise, tokumbira ngaararame
Ndinoreurura ini reurura, reurura ini reurura
Ndinoreurura ini reurura, kuti ndirarame
Vachauya here baba, riiniko?
Vachauya here baba, kuzotinunura?
Vachauya here baba, riiniko?
Vachauya here baba, kuzotinunura?
Muchauya here baba, riiniko?
Muchauya here baba, mukati mehondo?
Muchauya here baba, riiniko?
Muchauya here baba, mukati mehondo?
Varipo here baba, varipiko?
Vachauya here baba, kuzotinunura?
Vachauya here baba, riiniko?
Vachauya here baba, kuzotinunura?
Ndingabude seiko mune zvakaipa
Kunze kokunamata ndiko kuti ndirarame?
Ndingabude seiko mune zvakaipa
Kunze kokunamata ndiko kuti ndirarame?
Ndingapunyuke seiko mune zvakaipa
Kunze kokunamata ndiko kuti ndirarame?
Ndingapunyuke seiko mune zvakaipa
Kunze kokunamata ndiko kuti ndirarame?
Pane uyo wandofungira mweya wakaipa
Iye akanditadzira, ndokumbirazve ararame
Uya, uye wandofungira mweya wakaipa
Iye akanditadzira, ndokumbirazve ararame
Ndiri mutadzi panyika, anochiva nekuuraya
Zvisakanditadzira, ndokumbirazve ndicheneswe
Ndiri mutadzi panyika, anochiva nekuuraya
Zvisakanditadzira, ndokumbirazve ndirarame
Ndiyeka rusvava, anochema zvomurwadza
Tendeukai mutarise, tokumbirazve ararame
Ndiyeka rusvava, anochema zvomurwadza
Tendeukai mutarise, tokumbira ngavararame
Ndinoreurura ini reurura, reurura ini reurura
Ndinoreurura ini reurura, kuti ndirarame
Ndinoreurura ini reurura, reurura ini reurura
Ndinoreurura ini reurura, kuti ndicheneswe
Muchauya here baba, riiniko?
Muchauya here baba, kuzotiraramisa?
Muchauya here baba, riiniko?
Muchauya here baba, kuzotiraramisa?
Variko here baba, varipiko?
Vachauya here baba, mukati mehondo?
Variko here baba, varipiko?
Vachauya here baba, mukati mehondo?
Variko here baba, varipiko?
Vachauya here baba, kuzotiraramisa?
Writer(s): Leonard Dembo
Lyrics powered by www.musixmatch.com