Top Songs By Alick Macheso
Similar Songs
Credits
PERFORMING ARTISTS
Alick Macheso
Performer
COMPOSITION & LYRICS
Alick Macheso
Songwriter
Lyrics
Wajaira kugaronetsana nevamwe, kuzvijaidza mabasa ehunhu hwakashata
Zvichibva muhunhu hwako hwakasandamara
Kwaimbova nevaisiita hunhu hwakadaro
Hwekuzvirova dundundu vachizvitutumadza, kana uine mangoromera achakuuraisa iwe
Enda kunoitwa tsiva unorwira mari
Pane kuti uite tsika dzichakuvengesa
Hunhu hwacho hwakafumuka sekuzhe kwemusha
Dai uri mumwe zvako wasiyana nazvo
Watora gwara reupenyu hwakanaka
Usiye zvichazokupa matambudziko iwe
Mukoma wangu we, iwe unodarirei, imari here?, yaita udaro
Munun'una wangu we, iwe wakadarireiko, mafaro here?, akakukonzeresa
Chizukuru changu we, nhai unodarirei, chiiko ichocho?, chirikukudaro
Sahwira wangu we chii chawave kuita, igoridhe here?, rave kukupengesa
Sekuru vangu we imi, magagwa neiko, kusiya Gogo, vava voga nevana

Vanoita zvakaipa kune vamwe, ngavatsiurwe vagodzidziswa mune nzira dzakanaka
Vanoita zvakaipa kune vamwe, ngavatsiurwe vagodzidziswa mune nzira dzakanaka
Musazovatsiura zvebongozozo, asi murunyararo moto haudzimwe nemoto
Musazovatsiura zvebongozozo, asi murunyararo moto haudzimwe nemoto
Vana baba ngatiziveiwo kuti, mukugarisana kwepasi kugara kunzwanana
Kuwirirana chinodiwa kuwirirana, (Kuwirirana)
Kunzwanana chinodiwa kunzwanana, (Kunzwanana)
Kuwirirana chinodiwa kuwirirana, (Kuwirirana)
Kunzwanana chinodiwa kunzwanana, (Kunzwanana)
Mhere yenyoka
Kurira kwedzvoti
Kuti kwiiiyoo
Yatsikwa chipudu
He he hee ee eeh
Written by: Alick Macheso